ED Mnangagwa’s famous quotes

“Zanu PF is a revolutionary party, if you do not tore the correct line you go.
“Pamberi nemhandu, pamberi nemhandu, pamberi nemhandu, pamberi nemhanduuu…ah sorry pasi nemhanduu…”

“Vekumavhitori vanoti kumagumo kune nyaya. Tasvika here panyaya. Ukahwa vanhu vachiti kumagumo kene nyaya zvivheneke uvone kuti painouya nyaya iyi kumagumo unenge uri papi.

“The President knows that Masvingo is the backbone of the party. There are others who may come and say otherwise but that is just empty talk.  Masvingo iri mumusangano weZanu PF takabatana, tigoramba takangobatana, tichifamba takangobata uye tichichemana takabatana.”

“Gwendo ugwu rurefu. Hatitangi gwendo tiri tose. Kune vanotanga gwendo vamwe vozopinda mugwendo asi gwendo gwuchingofambiwa.”

“Munhu anofanira kufunda kuti gwendo gwunofambiwa sei nevakagwutanga. Kana wopindira mugwendo pakati wobva wati gwendo gwava gwangu hausviki kunofanira kuti gwendo gwukusvitse.”

“Zvinhu zvose zvine ronga. Hauteyi riva mugomo uchida kubata mhashu kana kuisa duvu mugwizi uchida kubata tsuro hazvigoni. Vanohwisisa hwisisai, vonovona vonesesai nguva ichipo.”

“Kana ukarota nyika ino ichitongwa nemusangano usiri Zanu PF, muka ubike doro kuti hope dzabvepi idzi. Bika doro kuti mudzimu wandirasha.”

“Regai ndikuvimbisei, vanonzwa vanzwisise, vanovona vonesai ndichitaura. Musangano uyu unoera, uchatonga, ugotonga, uchingotonga, vanovukura vagovukura, vachingovukura.”

“Chero kucongress haana kuzouya, ndinoreva Runaida. Chokwadi chokwadi pwere yakadero yaida kubvisa VaMugabe pachigaro vachitsigirwa naDidymus naRugare Gumbo. Paaaasi navooo….”

“Ndozvakaitika kuti vadzingwe mumusangano. Havana kubuda mumusangano asi kuti vakadzingwa mumusangano. Pane siyano ipapo. Vanonyora vanonyora kwanzi kwava nesplit, kwava neparty mbiri—bodo tsvo. Vakadzingwa nemhosva dzavo. Didymus akadzingwa. Mliswa akadzingwa. Teurai akadzingwa. mirror